Svetuka kuchirochemo

Musi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMisi)

Musi kana zuva (day 24hrs) zvinoreva kubatanidzwa kwemuswere wezuva nehusiku hwacho zvichiita maawa makumi maviri nemana (24). Muswere wezuva ndiwo unganzi day time muEnglish. Husiku ndihwo hunonzi night.

Vhiki kana svondo rimwe rine mazuva kana misi minomwe, vhiki rega-rega richivamba nemusi weSvondo. Gore rine misi mazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu (365) kana ari makore nje. Kana rasvika gore remucharikwa (leap year) rine mazuva mazana matatu nemakumi matanhatu nematanhatu (366).

  • Minzamusi (Object that lasts for a day only).
  • Zuva igore rinodoka rava namarevo mavi namauya. A day is a year, it may set with both bad and good news.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaBwisi neVaGanda vanoti msana (n. daytime; noon; midday) kureva nguva yemasikati. VaBwisi vanoti kisana (n. daytime; noon) kureva nguva yemasikati.
  • Shimwali vanoti suku (n. day) kureva musi. VaGiryama vanoti mutsana (n. daylight as opposed to night) nguva yekuchena kwekunze.
  • VaYao vanoti musi (the day-time; noon) kureva nguva yemasikati. VaShambala vanoti mushi kana mishi (n. daylight; day), kureva musi kana misi.
  • VaRwanda vanoti iminsi yose kureva misi yose. Yao vanoti lisiku lakupagwa kureva zuva rekubarwa. Kimbundu vanoti kizua (n. day) kureva musi.
  • VaWanga vanoti letsatsi kana matsatsi (n. day, sun) kureva zuva. VaWanga vanoti inyanga (day, the whole day of 24 hours; time; period; hour) kureva musi.