Mhuno
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMhino)
Mhuno kana mhino (nose) inhengo yomuviri iri pachiso chemhuka dzine muzongoza yadzinofema nayo. Pamunhu mhuno iri pakati pechiso; mune dzimwe mhuka dzinoyamwisa mhuno iri pamusoro panoperera chimuromo. KuChiNdau vanoti miro.
Kubata kana kunzwa hwema hwechinhu kunonzi kukamba. Saka muvhimi anoti: Imbwa dzakamba hwema dzikatevera hwaenda mhembwe.
- Nyengo (nostrils).
- Mutandamhuno (Nose bridge) kureva chikamu chemhuno chakati dandara pamusoro penyengo mbiri.
- Hwema (Scent, Odour).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaWabo vanoti puno (n. nose) kureva mhuno. Lomwe vanoti phuno (n. nose) kureva mhuno.
- Kinande vanoti enindo (n. the nose). Mamwe mazwi: omuhuli (n. the nostril) vachireva nyengo yemhuno.
- Vei inoti tanda (to be straight) kureva kutwasuka. Mamwe mazwi: tande (straight) - fananidzai nenyaudzosingwi yokuti tande.
- Maconde vanoti mpuniko (n. cover, lid, stopper; dust-cover).
- Bushong vanoti muoli (n. nose; nostril).