Mutunhu weKurima

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMhari)

Mazwi anoti Mutunhu weKurima (Agriculture Region) akanangana neZimbabwe anodudza miganhu yakatarwa muZimbabwe inopangidza huwandu hwemvura inonaya pagore, uye mhando dzembesa dzinokwanisika kurima zviri nyore munzvimbo dzakatarwa idzi.

  • Mitunhu yeKurima inowanikwa pamipanda mishanu.
  • Mhari (dryness, want of rain or moisture; aridness). Iri izwi rinokwanisa kuturikira chinonzi arid region kuEnglish.

Mutunhu weKurima 1[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutunhu uyu unonaya mvura inodarika 1000mm pagore, uye wakanakira mombe dzemukaka, kurima chibage, miti yemichero, miti yesango uye mombe dzenyama.

Mutunhu weKurima 2[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutunhu uyu unonaya mvura inosvika 750-1050mm pagore, uye wakanakira kurima zvakadzama kwembeu dzinoti chibage, donje, nefodya, pamwe nezvipfuwo.

Mutunhu weKurima 3[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutunhu uyu unonaya mvura inosvika 500-800mm pagore. Uyu mutunhu wekurima mbeu dzekudya kwezvipfuwo uye mbeu dzemari dzinoti chibage, donje, nefodya, kuchitevedzwa kumaneja hurimi kwakangwaruka.

Mutunhu weKurima 4[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutunhu uyu unonaya mvura inosvika 450-650mm pagore. Mutunhu uyu unorimwa nzvimbo dzakatambarara zviri pakati uye kwakanakira kupfuya zvipfuwo nokudyara mbesa dzinotirira mhari. Kurima miti yesango, kuchengeta mhuka dzesango, nezvevashanyi mamwe emabasa anoitwa kumutunhu uyu.


Mutunhu weKurima 5[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutunhu uyu unonaya mvura isingadariki 450mm pagore. Mutunhu uyu unorimwa nzvimbo dzakanyaya kutambarara uye kwakanakira kupfuya zvipfuwo mumafuro akatambarara. Kurima miti yesango, kuchengeta mhuka dzesango, nezvevashanyi mamwe emabasa anoitwa kumutunhu uyu.