Mariva

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Mariva (Falling stone traps). Riva, diwa kana madiwa (Flat Stone Trap) imhando yemuteyo unoshandiswa kubata mbeva kana makonzo. Riva rinogadzirwa nehwendefa yedombo inenge yakagara pasi kune rimwe divi, rimwe divi rakasendamiswa pakamuti kanonzi mutimiko, mhinjiriko kana rutsatsanhi. Kamuti aka kanobata dombo zvisina kunatsa kusimba, zvokuti kana mbeva yagumha kamuti dombo rinobva rawira mbeva iya. Pasi pedombo panoiswa chidyo chakadai senzungu kana chibage kuti mbeva dzisvikepo dzichitsvaka chikafu.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLenje vanoti muliwa (falling trap) zvichireva riva.