Mandundu eMakomo

From Wikipedia
(Redirected from Mandundu emakomo)
Jump to navigation Jump to search
Great Dyke, Zimbabwe rinotevedza mandundu emakomo kuba kuMaodzanyemba zvichienda kuchamhembe.

Muchidzidzo Taranyika mandundu (Mountain range) zvinoreva dungwe remakomo akatevedzana anoramba achienda. Mamwe mazita anopiwa makomo akaita dungwe kudai anoti: dungwerungwe, kana kuti hwenze.

MuZimbabwe mandundu anowonekwa achitevedza mugwagwa unobva Harare kuenda Norton ari kuMabvazuva kwemugwagwa. Mandundu anowonekwazve achitevedza mugwagwa unobva Bindura kuenda kuMazowe.

Mundundu kana musundyu (ridge of hills).

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • MaZulu vanoti ulugoma kana ulukhalo (n. range of mountains) vachireva mandundu emakomo.
  • MaZulu vanoti ulundi (n. range of mountains. Name applied to Drakensburg Mountains) vachireva mandundu emakomo.
Makomo Andes, achionekwa mudenga - ndiwo mandundu ane nhambwe yakarebesa Pasirose