Baraureya

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMabaraureya)

Mazwi okuti mabaraureya kana baraureya ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi antigen kuEnglish chinova chiro chinokonzera kuti muviri uburitse mhando yemurimo unonzi dzivaureyaantibody.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chivakashure chokuti ureya chiri kutodzaniswa nezwi rinoti kareya (blemish, flaw) rinoreva chiro chinonyangadza kana kushatisa panhu - takanangana nehurapi chinenge chiri chinhu chinokanganisa hutano hwemuviri kana chapinda. Chivakamberi chokuti bara- chiri kutodzaniswa nezwi rinoti Kupara (Set-up, Establish, Found) rinoreva kuvamba knap kudzika sangano, nzanga kana Kereke. Takanangana nehurapi baraureya ndicho chipenyu chiri kukonzeresa kuti muviri uburitse madzivaureyaantibodies. Apa kureva kuti baraureya riri kudenha kubuda kwedzivaureya.

Vamwe vangada kuturikira vachiti baradzivaureya kureva icho chinodenha kubuditswa kwemurimo unonzi antibody kuEnglish.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Barandemo, kana barandemeredzi riri kuturikira chinonzi immunogen kuEnglish - pahuwandu toti mabarandemo kana mabarandemeredzi.