Leopold Takawira

Kubva Wikipedia

Leopold Takawira (1916-1970) igamba rehondo yeChimurenga yakarwiwa nechinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe kubva kuutongi hweudzvanyiriri hwevarungu vakabva kuBritain.

Leopold Takawira akanga ari Vice President we Zimbabwe African National Union (ZANU). Murume uyu akanga ambotsigira National Democratic Party (NDP) pashure akazotsigira Zimbabwe African People's Union (ZAPU) .Leopold Takawira waizivikanwa nemutupo wake we Mhazi kana kuti 'Shumba yeChirumanzi'

VaTakawira vakazvarwa ku Chirumanzi, Victoria district mugore 1916. Vakadzidza muzvikoro zveRhodesia vakazonorava zvokuva mudzidzisi ku Mariannhill muguta re Natal, South Africa. VaTakawira vakazova Headmaster we Chipembere Government School kuHighfield. Vakazosiya basa rokudzidzisa vachinoshanda na Colonel David Stirling we Capricorn Africa Society, uko vakanoitwa Executive Officer.