Svetuka kuchirochemo

Kutarisa neKuona

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKuyangana)

Gwaro rino rinobatanidza mashoko anoreva kutarisa kana kuona.

  • Barara kana ba (ideophone of Catching sight of), Mhuka dzikati barara muvhimi dzinotiza: if animals catch sight of the hunter they run away.
  • Chivono (spectacle ; scene ; keepsake).
  • Gahanana kana makahanana (Staring) apa kureva kudzvokora. Bere rakaita gahanana: the hyena stared.
  • Kangara (ideophone of Staring with wide open eyes generally fearful).
  • Kutonda, kudondeka
  • Kuringa
  • Kudzvokora
  • Kuona
  • Kuningisa kana kunangisa (to look, inspect) kutarisisa kana kuwongorora.
  • Kunangana, Kunangara, kuyangana (scrutinize; look at; gaze)
  • Kudzvazura (Glance - shyly or proudly. Direct eyes to shyly). Andidzvazura: he glanced at me. Adzvazura maziso kwandiri: she glanced shyly at me.
  • Kudongorera kana kubokorera (to peep, look into or out of).
  • Kupenengura (to look into something carefully, to part hair or grass, to open the pages of a book) apa kureva kuvhura chiro uchitarisa mukati macho sekuvhura mapeji ebhuku, kana kunatsa kutarisisa mukati mechiro. Uku kwonzi kuita mhenenguro.
  • Kuvenyuka (to go out of sight).
  • Kuvemburuka (to avoid, to go aside so as not to be seen by).
  • Kupangidza kana kupangidzira (to show, point out, show to) apa kureva kutaridza munhu pane chinhu, munhu kana nzvimbo.
  • Kurinda (to watch). Rinda dhongi iri risatiza. Watch this donkey so it does not run away.
  • Kutarira; kurindira; kugarira; garirira; kuvetera (watch). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mavetera?
  • Kuhubunidza (Seek rare object, or one hard to find) zvichireva kufumha kana kufuna-funa. Akaenda kundohubunidza matombo matema kurwizi: he went to search for black stones in the river.
  • Kukanhama kana kukanhamara (1. Look at with great astonishment, 2. Gape with astonishment) zvichireva kushama kana kushamisika. Mamwe mazwi anotodzana - kukanhamadza uye kukanhamisa.
  • Matsivariva (Act of looking down or away - done by many: e.g. in order not to see the victim of a road accident).


Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Kureva ndokunei, kutarisa kurevawo. Why say something; a sharp look is also a remark.
  • Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benyal kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira. Where you used to visit is where you now give a haughty glance and the other way around.
  • Mururimi rweLugwere vanoti kulinga (v. look at, behold, watch, stare) zvichireva kuringa.
  • VaTonga vanoti ciwa (aspect, appearance) kureva kutaridzika. Baila vanoti kulanga (to behold) vachireva kutarira.
  • Lugungu inoti mulingiiri (1. spectator, onlooker; s.b. who watches s.t. that is happening & not involved in it. 2. caretaker; s.b. who has responsibility to take care of something) kureva muringiri.
  • Kimbundu vanoti mutala (n. aspect; configuration) vachireva mutarisiro. Nyanja inoti kutuzula (to protrude as of glaring eyes) kureva kutuzura maziso.