Pfuti
(Redirected from Kushumba)
Jump to navigation
Jump to search
Pfuti imhando yechombo insoshandiswa kukanda mabara akagadzirwa nesimbi. Mabara aya anopfurwa nepfuti achibuda aine spidhi yokuti akarova munhu anokwanisa kufa zvichienderana nokuti arohwa panhengo ipi yomuviri.
Shoko rokuti nyere (bullet cartridge in English) rinoreva chikasha chinodonha kubva pabara kana richinge rapfurwa kubva papfuti.
- Chikohono, rusembwe kana rukungiso (hammer of a gun) ndicho chinokava bara richibuda semuseve kubva papfuti.
- Mupembe (barrel of gun).
- Hunga (gun-powder).
- Kupakatidza (cause to carry with both arms).
- Kupakatira (carry with both hands).
- Chigwagwagwa (machine gun).

SIG Pro semi-automatic pistol
Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]
- Pfuti iyi inodauka nyere - this rifle ejects cartridge cases.
- Kutinhura, kana kudinhura pfuti - discharge a gun.
- Kuyereka, kutsitsika, kushumba (to aim) zvinoreva kunangidzira ingava pfuti, pfumo, museve kana rhekeni kuti urove chinhu chunoda kurova nayo.
- Bosho (bad marksmanship) zvichireva kupotsa.
Mitauro yeAfrika[chinja | edit source]
- Zigula vanoti futi (n. gun) vachireva pfuti. Umbundu vanoti uta (n. gun; shotgun) kureva pfuti. Taabwa vanoti mfuti (n. musket).
- MaZulu vanoti imbumbulu (Any hard thing, round, and smooth (e.g. billiard ball, knob of carved kerrie, cannon-ball).) kureva mbumburu.
- VaLenje vanoti eleka (level a gun, aim) vachireva kuyereka. VaGanda vanoti kuerekeza (take aim, aim at) vachireva kuyereka.
- Mang'anja vanoti kuomba mfuti (to fire a gun) kuridza pfuti. VaWabo vanoti futti (n. a gun) pfuti.
- VaLozi vanoti sifefe (a short gun) vachireva chifefe. VaLozi vanoti sikwakwakwa (machine gun) kureva chigwagwagwa.
- Tuwuli vanoti o-to-wa (n. gun. From: ta - shoot) kureva pfuti.