Mundanda

From Wikipedia
(Redirected from Kundanda)
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti mundanda (an arrangement of things in line) rinoreva kurongeka kwezvinhu pamutsetse zvichidevana nehukuru hwazvo.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Vavhimi vanofamba vakandandira - Hunters walk line abreast. Vamwe vanoti kufamba nerunda.

Ndandisa masoja - Make the soldiers dress their ranks.

Shoko rokuti kurunda rinoreva kuronga zvinhu zvakaita mutsetse panzvimbo - arrange in line. Vamwe vatauri vanoti kundanda kana kuti kundandisa.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaChewa vanoti kundandalitsa (to put in order; to arrange or set in order).
  • VaMambwe vanoti -tantama (to be in a row, stand in line) vachireva kundandarika kana kundandiswa.
  • VaMambwe vanoti -tantamika (to line up people, place things in a row) vachireva kundandarika kana kundandiswa.
  • VaMambwe vanoti -tantika indandanda kana -tantikanya (to place people or objects in line) vachireva kuisa pamundanda.
  • VaTonga vanoti kundandama (to put in line; to arrange or set in order; set in a queue).
  • VaLenje vanoti ambana (1, be in a row - side by side; 2. touch each other, be close together, stand in line - abreast) vachireva kumira mundanda.