Muriwo
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuKukambura)
Muriwo (Vegetables in English) zvinoreva madzinde anokwanisa kudyiwa mashizha awo achinge abikwa mumvura kana mumafuta. Muriwo unokwanisa kubikwa uri wega kana kubikwa pamwe nenyama zvakasanganiswa.
Muriwo wakafurwa wava kudzinina: the vegetables that had been eaten by the cattle are now sprouting new leaves.kudzinina.
Mhando dzemuriwo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Rugare
- Tsunga
- Chemberedzagumhana
- Muboora
- Nyevhe
- Bonongwe
- Zifodya
- Munyemba
- Musemwa-semwa
- Mowa
- mubvunzandadya
- Chidovori
- Chirevereve
- Munenza. Zvichida izwi iri rinotodzana nezita rokuti Munenzva?
- Mudyambira
- Zhombwe
- Musungosungo
- Muvuvu
Mamwe mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Gwanha, gwanho kana hwani (Fully developed leaf of pumpkin plant or cabbage no longer eaten) apa kureva shizha remuriwo rakakomba risisakwanise kudyiwa. Anonzi makwanha pahuwandu.
- Kukwanha, kusaira kusanzaura kana kusanhira (1. Prune tree, 2. Strip branches from filed sapling or tree).
- Kugwanhudza (Make to tear off leaves, branches, flowers; 2. Z Make to prune).
- Kugwanhuka (Be, or be able to be, plucked, or torn off, or pruned).
- Kwanhura makwanha ekabichi: remove the big outer leaves of the cabbage.
- Kukaya kana kutanha (pluck vegetable leaves). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Makaya??
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chewa inoti ndiwo (anything eaten with food as relish). Taabwa inoti kuswa (v. pick vegetables) kutanha muriwo.
- Mambwe inoti muliwo (trailing vine of pumpkin, cucumber, etc) vachireva muriwo. Humburi inoti kàmbè, kàmb-ù (hand, arm). Fananidzai nokuti kukambura?
- Zulu inoti umlibo kana imilibo (Tendril, runner of creeping plants (e.g. pumpkin, marrow, melon). Mamwe mazwi: umlibo kana imilibo (Origin, source, lineage, stock) vachireva rudzi.
- Luwanga inoti okhukhatsa (eat meat or other relish alone, or out of proportion to the amount of). Zvichida izwi iri rinotodzana neChiShona chinoti kukatsa.
- Shilluk inoti rïwø (v. place level; horizontal). Fananidzai nokuti muriwo?
- Uyo Ibibio inoti tanna (v. become sparse; become very thin (of sticks or of a persons limbs, the later is very derogatory).