Kudinga

Kubva Wikipedia

Kudinga, Kuvinga (kureva to need), imhando ye kuda paChishona inga fanane nekudisa. Chidingwa, chivingwa paushoma, uye zvidingwa; zvitingwa, zvivingwa kana matingwa pauwandu. Kudinga zvinoreva kuva rupango rwechinhu munhu chaasingagoni kurarama kana kurarama zvakagudzikana asinacho, senge chekudya, hama (dzingave dzeropa kana vamwe vanhu), rudo, donzvo kana chinangwa muvupenyu zvichingodaro.

Kudinga kwakasiyana nekudaka (to want) uye nekuda (to love), asi pakutaura mazuva ose vanhu vanosanganisa zvose vachingoti "kuda".

Mamamwe mashoko anoenderana uye ari muraya rimwe rezvirevo ndeaya: chadingwa, uye chipangwa.

Mitauro ye Chibanthu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chichewa chinoti kusowa (kureva kudinga, kutama), kana kufuna (kureva kudaka, kudinga)
  • Chitsonga chinoti kulava kureva kudinga (kufanana nekuti kudaka), ndzi lava swakudya. ndinodinga chokudya
  • Chiswahiri chinoti kuhaja kureva kudinga, kubinga, uye dani/kipingo kureva chidingo.
  • Chinyarwanda chinoti gukenera kana kugomba kureva kudinga (uye Chishona chinoti wo kugomba)

Ringai zve:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]