Kuchaya mapoto

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kuchaya mapoto (cohabitation kuChirungu) rinotaurwa kana vanhu vaviri munhurume nemunhukadzi vasina kuroorana pamberi patezvara vachigara pamwechete sokunge murume nemukadzi vakaroorana. Tsika yekuchaya mapoto inonyanya kuwanikwa kumadhorobha akadai seHarare uye inowanikwawo pakati pemaZimbabwe vakayambuka kunogara kumhiri kwemakungwa kunyika dzinosanganisira United Kingdom, Australia, Canada, neUnited States of America.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kugara nekugara varume vazhinji vanotya kuchengetana nemukadzi wavasina kuroora pamberi patezvara. Izvi vanotya kuzviita nokuti musi wokunzi mukadzi uyu afa kana kuti asangana netsaona ari muakdzi anga achichaya mapoto murandu wacho unorpwa ipapo wakaoma. Kune nhau dzinotaurwa zhinji dzokuti tezvara vanoramba kuviga mwanasikana anga achibika mapoto kusvikira roora kana imwe mirandu yaripwa.

Varipo varumwe vanosvika pakutobereka mhuri dzichikura pasina roora rakaripwa kuna tezvara; zivi zvinhu zvinoshoresa zvikuru patsika dzevaShona. Musi wokuti murume ari kuchaya mapoto afa achisiya vana, zvinotarisirwa kuti mhuri yake kana vana vake ndivo vachazoripa mari yeroora kuroora mukadzi uyo akagara nehama yavo mushakabvu.


Madambudziko ekuchaya mapoto[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Madambudziko anosangana nevanhu vanochaya mapoto anosanganisira:

  • Kusagutsikana zvikurusei kumukadzi anenge asina kuroorwa pamberi pevabereki nehama dzaka sezvinoitwa vamwe vanhukadzi vokwedu;
  • Kushungurudzwa kwevanhukadzi vari mudzimba dziri kuitwa zvekuchaya mapoto vachishaya wokuzvikudza kana kwekupotera;
  • Kusasununguka pakufambidzana nehama zvikurusei hama dzinotarisira kuti roora ringe rakaripwa vanhu vasati vagara vose setsika dzedu;
  • Vana vanokura vasingazive hama dzevabereki vavo zvikurusei hama dzekwaMai nokuda kwekusafambidzana kwakasununguka;
  • Uye matambudziko anyorwa pamusoro ekuwomerwa nokushaya masvikiro kwatezvara pamusi wokunge mumwe wevaviri vari kuchaya mapoto afa kana kuti arwara.
  • mudzimai anenge akashoreka mumhuri uye anenge achigara achingofunga kuti dai ndaroorwawo sevamwe


Mapoto mhiri kwemakungwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsaika yekuchaya mapoto inowanikwawo pakati pevanhu maZimbabwe vakayambuka kunogara mhiri kwemakungwa; kuita izvi kunova nyore nokuti ikoko kure kazhinji kunenge kusina maziso evabereki kana vehama vanozviona kuti vatsiure kana hanzvadzi inonzi inochengera. Kunyika dziri kumavirira tsika yekuchaya mapoto yakatekeshera pakati pezvizvarwa zveko; vamwe vekwedu vanosvika vachipinda mutsika dzenyika idzodzi.

Kunoti vanochaya mapoto vari maZimbabwe pachavo kwoitawo vamwe vanochaya mapoto nemarudzi mamwe akauya kunyika idzi kana marudzi ezvizvarwa zveko kunyika idzi. Matambudziko anoita kuti vamwe vagumisidze vagara mukuchaya mapoto anosanganisira:

  • Kusayemura runako rwetsika nemagariro edu anoti musikana akafanirwa kubisirwa roora asati anogara pamurume;
  • Kuna sokunge hupenyu hwaoma munhu ashaya chouviri chinoraramisa nokuti mabasa anenge achishaika kana kuti mabasa ari kushandwa anenge asingabhadhare zvakakwana.