Murandu

Kubva Wikipedia

Murandu kana Mulandu zvinoreva kuti mhosva kana kuti muripo unenge watemerwa mupari wemhosva.

  • Munyika yeZimbabwe mune vanhu vanonzi vekwaMurandu vanowanikwa kwaMasembura, Chikwaka nekwaSeke pedyo naHanyani (Manyame).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaFwe vanoti murandu (fine) kureva muripo wemhosva. VaNyungwe vanoti mulandu (n. problems).
  • Barotse vanoti mulatu (n. fault, offence mistake, guilt, culpability, debt, obligation). Basotho vanoti molato (n. fault, guilt) kureva murandu.
  • VaLenje vanoti mulandu (suit, case, trial, dispute, debate, discussion, quarrel). Chuwabo vanoti muladdu (problem) kureva murandu.
  • VaYao vanoti kuchuluka (to be many, to be too many) vachireva kuwandisa. Kune rwiyo rwaiti mirandu yachuluka?
  • VaYao vanoti makani kana kutenda makani (to dispute) vachireva kukanana. Nsenga vanoti mlandu (n. trial, debate, argument, reason).