Katakana

Kubva Wikipedia

Katakana (片仮名カタカナ) imwe mhando ye mabhi eChijapani, imwe mhango yekunyoresa senge Hiragana, Kanji uye mune zvimwe zviitiko mabhi eChiratini anonzi rōmaji. Izwi rekuti katakana rinoreva "kupatsanurana kana", sezvo mabhi ekatakana achitorwa kubva kuzvinhu kana zvidimbu zveKanji yakaoma. Katakana uye hiragana zvese kana dandira (system). Mabhi eChijapani anomirirwa ne bhii kana kana mudandira pacharo. Kana imwe ne imwe inomirira nzvovera senge " a " (muKatakana ndi ア); senge Chishona, muChijapani nzvanyira rinoteverwa nenzvanyira senge " ka " (muKatakana ndi カ). Asi Chijapani chaka siyana ne Chishona nekuti chine mashoko anopera ne manzvanyira, senge "n" (muKatakana ndi ン), uye i-nasal sonorant zvichienderana ne context, anonzwika senge mabhi eChingezi m, n kana ng (n') akafanana ne manzvovera ari nasal eChiputukezi kana Chigarisiya (Galician).

Mamwe mapeji ekutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]