Kamba dzekuuraya

Kubva Wikipedia
Rutsvamhumburu: Kamba dzekuuraya nekamba dzekufurutsa dzakavakwa nebato reNazi kuPoland.


Kamba dzekuuraya kana kuti kamba dzekupfuudza (Extermination camps or death camps kuChirungu) zvinotaura kamba dzakavakwa neBato reNazi rekuGermany munguva yeHondo yePasirose yeChipiri (1939–45) izvi zvichiitwa nechinangwa chekuuraya mamiriyoni evanhu. Nzvimbo idzi dzaishandiswa nhungu dzechefu yegasi uye kushandisa vanhu kwenguva ndefu vasina chokudya chakakwana. Kwakaurayiwa vanhu vemarudzi akawanda asi vanhu vechiJudah ndivo vakanyanya kuurayiwa. Baradzarudzi iri ndiyyo yakanga iriyo nzira yakasarudzwa neBato reNazi kupedza Chinetso chemaJudah


Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kamba dzekuuraya kana kuti kamba dzekupfuudza mazwi maviri anoreva zvimwechete, anoshandisa kureva kamba dzakavakwa nebato reNazi nechinangwa kwete chekuranga vasungwa asi chekuuraya vasungwa vakanga vaunzwa kunzvimbo idzodzi. Apa kuti vasungwa hazvireve kuti vanhu ava vakanga vaine mhosva dzavakanga vapara, vasungwa ava vaisungirwa kuva verudzi rwavaiva, maJudah kana maRomani.

Hurumende yaGermany ichitungamirwa nebato reNazi 1933–45) yakavaka kamba dzekupfudza dzaizezesa muPoland panguva yehutapwa. Kamba idzi dzakanga dzakasiyana nekamba dzekufurutsa dzinenge Dachau neBelsen dzakanga dzavakirwa kuchengetera vanhu vaisungwa mushure mokunge bato reNazi rati vanhu vakazvidzwa zvichitevedza maoenero ematongerwo enyika uye kugarisana munzanga dzemisha. Mumakore ekutanga erutsvamhumburu maJudah vaiendeswa kukamba dzenhapwa asi zvichitanga gore 1942 vakanga voendeswa kukamba dzekuuraya.

Kamba dzekupfuudza dzakanga dzakasiyana nekamba dzechibharo (forced labor camps) idzo dzakavakwa mumatunhu akapambwa neGermany senzvimbo dzaishandiswa vasungwa vaisanganisira vasungwa vehondo vachishanda sevaranda. Mumakamba ekupfuudza mazhinji vanhu vaifa nerheti yakakwira; zvaiti: vamwe vachiurayiwa, vamwe vachifa nenzara, vamwe nezvirwere, vamwe nekuneta uye hutsinye hwemawuto eGermany.

Makamba ekupfuudza[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyanzvi dzenhoroondo yerutsvamhumburu dzinoti bato reNazi rakavaka makamba ekupfuudza matanhatu (6) muPoland panguva yehutapwa. Kamba dzinonzi Chełmno neAuschwitz II dzakanga dziri kumadoekero kwePoland mumatunhu akabvutwa nemaNazi ekuGermany mugore 1939, mamwe makamba mana akavakirwa mumatunhu ehurumende yePoland. Mazita emakamba aya ndeanotevera:

1. Auschwitz II (Auschwitz-Birkenau) 2. Chełmno 3. Belzec 4. Majdanek 5. Sobibor 6. Treblinka