Rheti

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo cheMasvomhu, rheti (rate) izwi rinoreva hukama huripo pakati penhamba dzine nzenda dzakasiyana. Nokumwe kutaura rheti igovano yezvinhu zviviri zvine nzenda yakasiyana. Muenzaniso wekupima nerheti inosanganisira spidhi, kurova hwehana (Heart beat), pawa. Izvi zvataurwa zvine nzenda dzinoti: spidhi (metres/second); kurova kwehana (beats/second); pawa (Joules/Second).

Kazhinji rheti inotaurwa pakuverenga huwandu hwechipimwa huchiyereniswa nenguva yadarika; asi tinogonawo kushandisa nhambwe, huremu zvichingodaro. Sokuti tarakita yangu inofamba 10km pa Rita repeturu, kana kuti nyama iri kutengwa nemutengo we $5 pa Kg.