Musungwa wehondo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuVasungwa vehondo)

Izwi rokuti musungwa wehondo kana kuti mubopwa (prisoner of war kuChirungu) rinoreva munhu, angava ari murwi wehondo kana asiri murwi, anobatwa ochengetedzwa nemawuto emhandu, munguva yehondo kana kuti nguva yokunge hondo ichangopera.

Vasungwa vehondo vanotenherwa mukamba sevatapi nezvikonzero zvinosanganisira:

  • Kuitira kudzivisa kusangana kwevasungwa vehondo nevarwi vachiri pahondo,
  • Kuchengetedza vasungwa vehondo kuitira kuti vazodzorerwa kunyika dzavo mune zvakanaka mushure mokunge hondo yapera,
  • Senzira yokutaridza kukunda muhondo,
  • Kuranga masoja emhandu,
  • Kuitira kuzosvitsa mhosva dzingadaro dzakaparwa muhondo kumatare emhosva dzehondo,
  • Kuti vasungwa ava vashandiswe kuita mabasa angavapo anofanirwa kuitwa,
  • Kuitira kuti vatore vasungwa ava kuti vapandutswe vachizova nhengo dzemawuto emhandu yavabata,
  • Senzira yekutapa mashoko ehuchenjeri hungava hwechiwuto kana huchechenjeri hwematongerwo enyika,
  • Kupingudza mawuto emhandu kuti adzidziswe mafungiro matsva.