Hondo yePasirose yeChipiri

Kubva Wikipedia

Hondo yePasirose yeChipiri (HP2) (neChirungu: World War Two, WW2) kana kuti Hondo yaHitler yaiva hondo dandiranyika yakarwiwa nenyika zhinji dzePasirose kuvamba mugore 1939 ichizopera mugore 1945. Hondo iyi yakarwiwa nehuzhinji hwenyika dziri pasirose, kusanganisira mhitsa dzehondo - super-powers. Pakuguma kwazvo kwakamuka mapoka enyika akabatana kurwa hondo aiti mawuto echikumbano (allied forces) nemawuto ezvikerema - (axis forces), . Hakuna hondo pasirose yambotekeshera matunhu sehondo iyi, yakarwiwa nevarwi vemawuto vanosvika mamirioni zana (100 million) vaibva kunyika dzinodarika makumi matatu (30). Munguva iyi nyika dzakanga dziri muhondo dzakunga simba rose rehupumi, dzidzo yeScience, uye hushangazhi hwadzo kuti hushandire hondo iyi. Musiyano pakanga pasisina pakati pemawuto nevanhuwo zvavoakanga nokuti vose vakanga voita shishi nebamba rose kuti vatsigire nyika dzavo pakukunda hondo iyi.

Vanhu vazhinji vakafa muhondo iyi kusanganisira vazhinji verudzi rwaIsrael vakaurayiwa nemutongi godzonga (tyrant, dictator) ainzi Adolf Hitler muhuipi hunodanwa kunzi rushigido rwemaJudah - (Holocaust). Vanhu vakafa muhondo iyi vanofungidzirwa kusvika 50-70 miriyoni. Nhamba yevanhu vakafa iyi inoita kuti hondo iyi ive ndiyo hondo yakaipisa parufu rwevanhu munhoroondo yepasirose.


Zvombo zveShomwe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Apo Hondo yePasirose yeChipiri yanga yosvika pakupera kwakashandiswa zvombo zveshomwe zviviri, zvose zvakadonhedzwa nendege dzemawuto eUnited States panyika yeJapan. Musi waAugust 6, 1945 bhomba rakasenga Uranium rakadhurwa kuJapan muguta reHiroshima. Mushure memazuva matatu bhomba rakasenga Plutonium rakadhuurwa kuJapan zvakare muguta reNagasaki. Zvombo zveshomwe zviviri izvi zvakauraya vanhu vanosvika chifo che 200,000 vakanga vakuvadzwa zvakaipisa nekudhuuka kwawo.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaVenda vanoti pfano (n. alliance).