Nhungu dzechefu yegasi

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti nhungu dzechefu yegasi (Gas chambers kuChirungu) riri kushandiswa pano kureva chombo chekuuraya mhuka kana vanhu chinoshandisa chefu yegasi inopomberwa mumba yakavharika kwose zvokuti hapana pokuti gasi ringabude kana kuti munhu angabude. Gasi rinonyanya kushandiswa sechefu rinonzi hydrogen cyanide, asi carbon dioxide uye carbon monoxide dzinomboshandiswawo. nhungu dzechefu yegasi dzaishandiswa senzira yekuuraya vasungwa vainge vatongerwa kufa muUnited States of America mumwaka wechizana 1920. Hurumende yebato reNazi rekuGermany yakashandisa nhungu dzechefu yegasi senzira yokuuraya vanhu vazhinji muzvirongwa zvebaradzarudzi zvakauraya maJudah mamiriyoni matanhatu; chiitiko ichi chinozivikanwa nezita rokuti rutsvamhumburu. Kunonzi nyika yakasununguka yeCroatia yakashandisawo nhungu dzechefu yegasi kukamba yekuuraya yaive kuJasenovac.

Germany panguva yeNazi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nhungu dzechefu yegasi dzakashandiswa zvakanyanya muGermany panguva yeNazi, iyi iri nzira yekuparadza vanhu vakaremara mitezo kana pfungwa neavo vaizvidzwa semhandu panhau dzematongerwo enyika. Izvi zvakaitika mumwaka wechikumi 1930 uye 1940. Mugore 1942 mwedzi waJune vasungwa vane chitsama chemazana vaisanganisira 45 vebato remaCommunist rekuNetherlands vakaurayiwa nechefu yegasi paBernburg. Panguva iyi gasi raisarudzwa pakuita izvi raive carbon monoxide iro raitorwa kubva pamuchovha uri kutinhira.

Dzimwe kamba dzekuuraya dzemaNazi dzaishandisa hydrogen cyanide yainge yakanhadzirwa seZyklon B.

Panguva yerushigido, nhungu dzechefu yegasi dzakanga dzakavakwa kuti dzikwanise kupinda vanhu vazhinji zvichitevedza murayiro wakanga watemwa nebato reNazi webaradzarudzi waivavarira kuparadza maJudah. Bato iri rakanga rakateya kuti riuraye vanhu vechiRomani, ngochani, vanhu vakaremara mitezo nepfungwa, nyanzvi dzakadzidza uye vafundisi. Gwaro rakaparurwa neNizkor Project mugore 1941 (September 3) rinoti vasungwa vehondo vekuSoviet Union vanosvika 600 vakaurayiwa neZyklon B pakamba yekuuraya yeAuschwitz, uku ndiko kwakava kutanga kupagidza mashandiro egasi iri paAuschwitz. Magwaro anonyorwa naJürgen Langowski padandirautande anotaura kuti carbon monoxide yakashandiswa kuuraya vanhu pakamba yekuuraya yeTreblinka.