Kurima neMombe

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuJoki)

Zvinodiwa pakurima nemombe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Joko (yoke) - iri idanda rakavezwa rikakwenenzverwa rinoturikwa pamutsipa wemombe kuti dzive dzinokwanisa kuzvuva gejo. Kumativi maviri kunoperera Joki kune nzvimbo mbiri dzine zvikeyi panova panoboperwa mombe kuti joki risimbe mutsipa wembombe usasiyana nejoki. Zvikeyi zvakagadzirwa nemapuranga maviri anopinzirwa akarurama pajoki akataramukana nhambwe inosvika 30-32centimetre Zvikeyi zvakapamhamha kuita 4-5 centimetre uye zvine nzvimbo dzakachekwa apo panoboperwa zvitorobho. Nzvimbo dzokubopera zvitobho dzinokwanisa kuva mbiri kana nhatu pachikeyi chimwe kuitira kuti tikwanise kubopa mombe dzine mitispa yakakura zvakasiyana.

  • Kukoranidza (inspan two or more oxen together) zvinoreva kubopa mombe mbiri, ina kana nhanhatu pakurima.

Gejo - iri ndiro badza resimbi rinokwehwa nemombe richitiginura pasi nokupindura ivhu.

Tyava (whip) chinorukwa netambo dzerwodzi runosvuurwa kubva pamiti yakaita semupfuti, musasa, munhondo zvichingodaro. Tyava chinokwanisa kurukwa netambo nhatu (gurumbindo) kana ina (mhumburu).

Mombe - nguva zhinji mhando yemombe inoshandiswa inenge iri, dhonza kana kuti ngavi. Idzi dzinenge dziri mombe hono dzakatenhwa kuti dzisabereka, izvi zvichibatsirawo kuti dzive mombe dzakapfava kana zvichienzaniswa nemabhuru kana kuti handira. Vamwewo vanoshandisa mombe nzvari, matsiru nemhou pakurima; izvi zvinoitwa kunyanya pasina ngavi mudanga. Mombe yasvika pazera rokuti ichitanga kupingudzwa inonzi jong'osi.

Kupingudza (training or breaking an oxen) - iri izwi rinoreva kudzidzisa mombe isina kumbobvira yakabopwa kuti igone kutevera zvinodiwa nemukokeri ari kushanda nayo. Izvi zvinosanganisira kuti: mombe ive inopfava painosungwa tambo ichinobopwa pajoko, kutevera mashoko anotaurwa nemukokeri sokuti mombe idzoke shure kana mukokeri adaro. Mombe dzinobopwa dzinopingudzwa kusvika pamatanho akasiyana zvichienderana neari kupingudza.


Tambo - dzinosiyana zvichibva nokuti munhu awana pakadii. Kune tambo: dzakarukwa nerwodzi; tambo dzedehwe rakasukwa rakaomeswa; tambo dzeshinda yakasimba zvichingodaro.

Mukokeri uyu munhu anotungamira mombe achiita kuti dzifambe nenzira yekuri kuitwa basa racho. Mombe kana dzapingudzwa dzinokwanisa kusvika padanho rokuti panenge pasisadiwe mukokeri zvikurusei pamabasa ari nyore sekurima negejo.

Mutyairi - uyu ndiye munhu anenge ari kukarira mombe kuti dzishande nesimba imwe nguva achirova mombe netyava kuti dzifambise dzisakorondoke. Munhu mumwe ari pagejo anogona kuva mutyairi panguva imwe chete zvichienderana nokuti mombe dzakapingudzwa dzikaziva basa zvakadini uye kuti iye akabata gejo anobata basa zvakadii ari ega.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Akupa dhamba (rengavi) ndowako. He who have given you a tame ox is your relative.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti ilijongosi kana amajongosi (Afrikaans: skof - Abrasion, rubbed sore as made by harness or yoke) kureva chikofu.
  • MaZulu vanoti isikeyi kana izikeyi (Afrikaans: skei - Skey, peg through yoke) kureva chikeyi.
  • MaZulu vanoti amatomu (Afrikaans: toom - bridle) kureva matomu.
  • MaZulu vanoti isitilobo kana izitilobo (Afrikaans: strop - Strap for fixing the skeys to the yoke) kureva chitorobho.
  • MaZulu vanoti ilijongosi kana amajongosi (Afrikaans: jongos - young ox suitable for inspanning) kureva jong'osi.
  • VaFipa vanoti ifinga kana amafinga pakuwanda (stone) zvichireva ibwe. Ko kuti vhinga?
  • Barotse vanoti bopa (to bind, to inspan, to tie, to tighten) zvichireva kubopa.