Jerenyenje

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Mangoustes rayées - Banded Mongooses.jpg

Jerenyenje (mongoose in English) imhuka yemusango inowanikwa kuchamhembe kweAsia neEurope uye kuno kuAfrica. Jerenyenje rine marudzi anodarika 30 anokura kusvika 0.3-1.2m.

Jangwa zvinoreva jerenyenje rine muswe muchena.

Kudya kweJerenyenje[chinja | edit source]

Jerenyenje rinodya tupembenene; magakanje; makonye emuvhu; nyoka; huku nemakonzo. Anodyawo mazai zvakare. kunyika yeIndia jerenyenje rinozivikanwa nekugona kurwisa nokuuraya nyoka dzine huturu kunyanya rovambira.