Ivhu

Kubva Wikipedia

Kana murikutsvaka zvimwe zvirevo endai uku: Ivhu (tsauranisa chirevo)

Ivhu (kureva land; earth) kana vhu, zvinoreva chikamu kana kuti ndima yenyika. Ndima yenyika iyi inokwanisa kunge iri kushandiswa zvakasiyana-siyana zvinosanganisira: kurima, mugodhi, kuvaka musha, kuvaka guta, kuvaka mugwagwa zvichingodaro.

Nyaya yevhu kana kuti yeminda yakatanga kare pakauya varungu muno kuma 1890. Varungu vakanga vauya muZimbabwe vachitsvaga goridhe, asi pavakazoona kuti goridhe rakanga risingangowanikwe pese-pese sezvavaifunga, vakabva vatanga kuita chipata-pata kutora nzvimbo dzekurima nekuchengetera mombe. Kambani yeBSA yakaita kuti zvive nyore kuti varungu vawane minda, uye haina kumboita han’ya nekodzero dzevanhu vatema vakanga vari varidzi venzvimbo dzaitorwa idzi.

Mushure mekurwisana kwevanhu vatema nevarungu muna 1893 na1896/7, vanhu vatema vakakundwa zvekuti varungu ndivo vakanga vave nesimba rese. Vakabva vabvisa vanhu munzvimbo dzakanaka, vachivaisa mumaruzevha ane ivhu risina kunaka.  Vadaro, vakabva vatanga kubhadharisa vanhu vatema miripo yevhu ravo. Izvi zvakakonzera kuti vanhu vatema vatsvage basa kuvarungu avo vaivadzvinyirira vachivapa mari shoma.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Bor inoti fu (n. area; tribe) kureva nharaunda kana rudzi.