Hupombwe

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Hupombwe zvinoreva mhosva kana kuti chivi chokurara nomurume kana mukadzi wausina kuroorana naye. Pamirairo gumi yaMwari vakati kuvanhu "Musaite hupombwe". Munyika yeZimbabwe hupombwe imhosva inogona kusvitswa kuMatare eMhosva.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • MaZulu vanoti ebana (Get possession of one another surreptitiously (i.e. without parent's knowledge)) vachireva kubana kwemukomana nemusikana - apa zvichidudza kurara vose zvisiri pamutemo.
  • VaGiryama neVaTaita vanoti ku-zinga kana kulaka (to commit adultery, fornicate). VaZigula vanoti obukondo (n. adultery) kureva hupombwe.
  • VaGiryama vanoti uzindzi kana ukolo (adultery). Vanobva vati m'zindzi kana mukolo (adulterer) kureva mhombwe.
  • VaChewa vanoti chigololo (improper sexual conduct or adultery).
  • VaZigula vanoti kutomba (v. to commit adultery). Kinande vanoti omutombi (n. a fornicator).