Hunene

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chemasvomhu, hunene, huhombe kana hukuru (Magnitude) izwi rinotaura kukura kwakaita nhamba zvisinei kuti ine vara (-) kana (+) pamberi payo.

Kujekesa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Somuenzaniso, -50 ine huhombe hwakaenzana na +50, nyangwe zvavo nhamba mbiri idzi dzakasiyana pahukuru hwadzo; +50 yakawanda pane -50.
  • Kana pachitaurwa zvemari munhu ane $50 ane mari yakawanda pane ane -$50. Munhu ane -$50 anenge atove nechikwereti.
  • Hujoto +50oCelsius huri pamusoro pehujoto -50oCelsius.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pakutaura kwamauvaose kwechimanje-manje shoko rokuti hombe rinosishandiswa sezvizvi:

  • Haa mfana uya ndamu bigga muhombe - apa zvichireva kuti nyangwe ari mfana anokwanisa kuita zvinhu zvikuru, kana kuti mukuru panyembe dzekubasa.
  • Sahwira muri vahombe - kureva zvakare kugona kuita zvikuru.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kikongo neUmbundu vanoti nene (large). Kinande vanoti erineneha (v. get bigger, grow stronger). Kimbundu vanoti unene (n. majesty).
  • Luganda inoti obunene (size, thickness) kureva saizi kana hukobvu. VaGanda vanoti ekinene (large).
  • Lenje vanoti wunene (large, big, great; thick; bulky; stout; old, elderly) kureva hukuru. Iton vanoti e-neni (fatness, obesity, largeness).
  • VaKikuyu vanoti onene (magnitude) vachireva hupamhi. VaHerero vanoti tyinene (extremely; greatly; very much).
  • Lingala inoti monene (large). Mamwe mazwi: neno (much). Chuabo inoti omwene (supremacy) kureva hukuru.