Horamvura

Kubva Wikipedia
Geological strata giving rise to an artesian well
Schematic of an artesian well

Pachinyorwa chino, izwi rokuti horamvura riri kushandiswa kuturikira chinonzi aquifer kuEnglish. Aquifer inzvimbo inochengeta mvura pasi pevhu, iyo yakaumbika semukoto uri pakati pemaware emabwe asingabvinine. Mvura ikange yanaya munzvimbo dzine vhu nemabwe anobvinina, inonyura kupinda pasi ichinoungana yasvika pane dombo risingabvinine. Kune mamwe matunhu mabwe anobvinina anopinda pasi pevhu ari mukoto wakatanangirwa pakati pemabwe asingatenderi kusinina kwemvura - zvoreva kuti mvura inodzika yosvika payakamanikwa isina mukana wekukwira kana kudzika. Mvura iri muhoramvura inokwanisa kubatwa kana kwacherwa mugodhi unodhuurwa maware emabwe ari kumusoro kwemukoto wakanwirira mvura yekunaya - mugodhi kana tsime rerudzi urwu rinonzi artesian well kuEnglish. Asi kana pasina kucherwa nekudhuura mamaware emabwe akakwidibira nechekumusoro, mvura iyi inorarama mumukoto uyu makore mazhinji isina kwainoenda. Pakaitawo mutswe mumaware emabwe, mvura iyi inokwanisa kubuda sechisipiti.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zita rekuti horamvura hariko kuChiShona chemazuvaose, asi pano kuedza kududzira chinonzi aquifer. Izwi rokuti aquifer rakaumba nezvikamu zvinoti: aqui - kureva mvura uye fer - ichi chiri chivakamberi chinodudza kutakura. Saka aquifer zvinoreva icho chinotakura mvura. Kumitauro yeChiBantu kwakawanikwa izwi rokuti kola rinobva kuVaYao richireva kuva ne kana kuwana, kana kupfuma ne.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaYao vanoti kukola kana kola (to have, to get, to possess) vachireva kuwana kana kuva ne-. Mamwe mazwi: VaYao vanoti kukolela (to have for).
  • VaYao vanoti kukola mtinga (to be with child). VaYao vanoti kukola kinda (to be wise).
  • VaYao vanoti kola umi (to be healthy; live). Mamwe mazwi: kola lisoka (to be mad).
  • MaZulu vanoti ukuwola (gather up; collect together) vachireva kuhora. MaZulu vanoti wolela (Gather up for; gather up into) vachireva kuhorera.