Duri neMutsi

From Wikipedia
(Redirected from Duri)
Jump to navigation Jump to search

Duri neMutsi (large food preparation mortar and pestle) mudziyo unoshandiswa kupwanya kana kuti kutswa mbeu dzinodyiwa dzakaita sechibage; nzungu; zviyo; mhunga nezvimwewo. Duri (mortar) rinoshandiswa pamwe nemutswi (pestle).

MuZimbabwe duri rinoshandiswa pakutswa nzungu panogadzirwa dovi uye chibage panogadzirwa manhuchu. Kudzvura kunogona kushandwa nemunhu mumwe chete aine mutswi mumwe kana kuitwa nevanhu vaviri vaine mutswi miviri muduri rimwechete.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Mutwiwa kana duure (meal ground in the duri) zvichireva zvacho zviri kutwiwa muduri.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Mururimi rweKizigua vanoti kutwanga (1. pound with a pestle; 2. smash with a pestle in a mortar) kureva kutwa.
  • VaZigula vanoti kutwanga (1. pound together with a pestle; 2. smash together with a pestle in a mortar) kureva kutwa kwevaviri kana kudarika.
  • VaHerero vanoti tonda kana kumanga (Stamp and crush by stamping as with a pestle).
  • Izwi rokuti ntuli (Mortar) rinotaurwa mururimi rweMakonde - kana mituli pahuwandu.
  • VaDigo vanoti mutsi (pestle) kureva mutsi.
  • VaTaita vanoti musi (pestle) kureva mutsi.
  • VaUmbundu vanoti usi (pestle) kureva mutsi.
  • VaTumbuka vanoti Thuli na Musi (mortar and pestle) kureva duri nemutsi.
  • Mururimi rweZigula vanoti tuli (n. mortar) kureva duri.