Matoro
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuDenhe (Deve))
Muchidzidzo chetaranyika, matoro (wetlands, garden in swampy place) izwi rinoreva nzvimbo inochengeta mvura ine sora, nhokwe kana tsanga. Matoro anonyanya kuwanikwa pedyo nerwizi kana kumiganhu yemapani nedondo. Vamwe vatauri vanoti deve kana kuti denhe.
Deve, doro kana dzere (garden in swampy place).
Kare kare mupunga netsenza zvairimwa mumatoro. Pari zvino hakuchina matoro akawanda nokuda kwekuwanda kwevanhu nokukundika kuchengetedza nzvimbo dzine matoro.
Mumatoro munowanikwa datya; mukonikoni; humhutu netumwe tupuka. Miti, huswa netsanga zvinomerawo mumatoro.
Deketa, dete kana dekete (bog, marsh or swamp).