Dunhu reMadondazuva

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDaramutonda)

Muchidzidzo Taranyika mashoko anoti: Dunhu reMadondazuva kana Dunhu reMbirira (Tropics, Torrid Zone) ari kushandiswa pano kuturikira nzvimbo dzakakomberedza muenzanisi dziri pakati perumbariro 23° 26′ 16″ kumaodzanyemba uye 23° 26′ 16″ kuchamhembe. Mbariro dzeTaranyika idzi dzinonzi Tropic of Cancer neTropic of Capricon kuEnglish. Shoko rokuti mbirira rinoreva kupisa kwakanyanya - isu vagari vemudunhu iri tingasaona kupisa kwamo asi avo vanobva kunyika dziri kumusoro dzinotonhora nemazaya echando vanooona dunhu iri richipisa kunyanya kana vachifananidza nekwavo - saka pano panzi dunhu rembirira. Muchidimbu tinokwanisa kungoti kuMadondazuva.

Vakare vaiva nyanzvi dzeSainzi kuEurope vaitenda kuti zuva raipinduka kudzokera kwarabva kana rasvika paMbariro dzeTaranyika dzinonzi Cancer neCapricon. Saka vakatumidza zita rokuti tropics rinobva kuGreek richireva to turn. Zita iri harina kushandurwa pavakazobata idi rokuti zuva haripinduki pambariro mbiri idzi. Saka kuChiShona tichangoti Mudondazuva weCancer neMudondazuva weCapricon. Dunhu reMbirira rinogara muzuva nguva zhinji, risina kutonhora kwakanyanya. Mbariro dzeMudondazuva weCancer neMudondazuva weCapricon dzinopangidza muganhu wenyika inowira maranzi ezuva akanatsa kutonda pamusoro penyika; kunze kwenzvimbo iyoyi, mabwirazuva anowira panyika akarereka.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]