Bande reMachingano eMhepo kuMadondazuva

Kubva Wikipedia

Mazwi anoti, Bande reMachingano eMhepo kuMadondazuva ari kushandiswa kuturikira chinonzi Intertropical Convergence Zone, ITCZ kuEnglish izvi zvichireva nzvimbo inosangana mhepo dzinovhuvhuta dzichibva kuzasi nekumusoro muDunhu reMudondazuva. Nokumwe kutaura tinogona kuti Ruvara rweMachingano eMhepo kuMadondazuva. Chiitiko ichi chinobva pakuti, Dunhu reMadondazuva rinopisa zvakanyanya nokuda kwemaranzi ezuva anenge akatonda dunhu irori kwemwaka wakareba. Kupisa kwezuva uku kunosakisa kuti mweya unopisa ukwire kudenga, pasi pachisara ndima ine puresha yakaderera. Zvadaro mhepo dzinovhuvhuta dzichibva kudivi riri zasi nedivi riri kumusoro nechinangwa chekupinda mundima ine puresha yakadera. Mhepo dzinobva kumusoro dzinochingana nemhepo dzinobva nechekuzasi kwemuenzanisi. Iyoyi nzvimbo inochingana mhepo dzinobva zasi nekumusoro kwemuenzanisi ichadanwa kunzi Bande reMachingano eMhepo kuMadondazuva.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]