Chivakashure guru

Kubva Wikipedia

Chinyorwa chino chakaungaunidza mazwi anotanga nechivakashure guru.

  • Gurumwandira, magurumwandira, gurusvusvu kana guruutsi (1. Large moving crowd, 2. Large moving herd 3. Countless multitude of people) apa kureva vanhu vazhinji vari pamwe. Vamwe vatauri vanoti fakafaka.
  • Gurudadi kana bongozozo (Large crowd) apa kureva dzama revanhu.
  • Gurundundu (Large number (people, cattle, either visible or thought of as large number).
  • Guruutsi, dititi kana madititi, (Large moving crowd; 2. Assault on one person made by many together). Vakaenda riri dititi: a whole crowd of them went. Vakamuita dititi: they all attacked him together.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mukurumbira (Reputation. Fame. Renown) zvinotaura kuvirikira kwemunhu achizivikanwa nemabasa ake.
  • Gumbi (a crowd; very many people) apa kureva vanhu vazhinji-zhinji.
  • Gunda (Closely packed moving crowd). Regai kuita gunda: do not walk all bunched together.
  • Gutumukutu kana magutumukutu (Very large number or amount of things).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti gulu kana magulu (audience; assembly, troop).
  • VaChewa vanoti gulu kana magulu (crowd, company, herd of animals, drove of cattle). Sokuti gulu la ankosa - danga rehwayi.
  • VaSwahili vanoti mkururo kana mikururo (line, procession of people).
  • VaChewa vanoti ndundu (a heap).
  • Mururimi rweYao vanoti mwanda (a great number, too many to be counted) kureva zvinhi zvakawandisa.