Chipandwa

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti chipandwa (clue, hint) rinoreva mashoko, kana chimwe chinhu chinonongedza kana kunyevera zviri mberi kana zviri kutaurwa nezvazvo. Mudzidzisi akaona vadzidzi vatadza kupindura mubvunzo anogona kupa chipandwa chinotungamira vari kurayiridzwa kuti vasvike pane mhinduro yacho.

Mukutaura mazuvaose tinopanana zvipandwa neavo tinofara navo. Murume anogona kuti kumudzimai wake, Fembera kuti nhasi ndasangana nani mubhazi. Mudzimai akaedza kufembera achitadza, murume ndipo anopa chipandwa. Mukadzi anogona kubvunza kuti, Mukadzi here kana murume?. Murume oti Hongu mukadzi anobva kumusha kwenyu kwaRusape.

Chipandwa chinoshandawo kune vanoferefeta kuronda nokutsvaka panenge pakaparwa mhosva. Mudhindo unosiiwa neshangu unokwanisa kuva chipandwa chinotaura kuti munhu murume kana mukadzi, uye kuti akapinda nekupi akabuda nekupi.

Mashoko anotodzana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti chipande ringagona kuzoshandiswa kuturikira inonzi capital kuEnglish - apa kureva mari yekuvamba bhizinisi.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaKabwa vanoti renga (measure; evaluate) vachireva kupima.
  • Vatauri veEkikabwa vanoti -rengekany'a (estimate; approximate).