Zvinoyera
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuChinoyera)
Kana zvinhu zvichinzi zvinoyera (Nge. holy, holyness) zvinenge zvichikosheswa, zvisingatenderwe kubatwa nhando, kutambwa nazvo, kuzvidzwa, kudyiwa kana kupinda panzvimbo dzinonzi dzinoyera.
- Vanhu vangangoti wo zvidzvene kana zvitsvene- pure.
- Ko chourere chingayereswa here, kuti chipirwe semupiro kuna Mwari?
Rwiyo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Kune rwiyo rweKereke yeRhoma runoti:
Munoyera, munoyera
Munoyera Mwari Baba
Denga naPasi zvizere nembiri yenyu
Munoyera, munoyera
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Taita inoti kuela (to be holy; to be clean, to be clear) kureva kuchenesa. Kuelesa (to purify) kureva kuchenesa.
- Kolokuma Izon inoti yela (be dear, important, precious). Lomwe vanoti weela (adj. holy) kureva chinoyera.
- Herero vanoti oku-yerisa (v. to glorify, exalt). Mamwe mazwi: yerisa (v. enlighten; make pure, bright, polish).
- Chewa vanoti kuyera (holiness) kureva hutsvene. Mamwe mazwi: kuera (to be white or light) kureva kuchena.
- Nyanja inoti kuyera (of whiteness, cleanliness, brightness, clearness, purity, holiness) kureva kuchena.
- Nyakyusa vanoti unkasi umwelu kureva mukadzi muchena. VaTakwane vanoti weela (v. be white). Yoweela (adj. white).
- VaGulu vanoti numba yera (clean house), imba yakachena. Mamwe mazwi: Munhu mivera (clean person). -era (v. clean) kureva kuchenesa.
- Dinka vanoti yer (v. be white, clean, pure; adj. white, clean, pure). Kwanyama vanoti yela (adj. clean).