Chikwatamabwe

Kubva Wikipedia

Chikwatamabwe (kureva volcano) kana Tyakamabwe (rinataugwa sa tlakamabwe), muchidzidzo cheTaranyika inzvimbo inonyuka mabwe achikwata kubva muvhu. Mabwe aya anobuda achipisa samare achiyerera pasi nokudaukira mudenga paanenge okwata. Chikwatamabwe chinokanda madota mudenga nokupwititsa chiutsi chakawanda chinosimuka kusvika pahukwidza hunobhururuka ndege.

Mugore ra 2010 chikwatamabawe chiri kuIceland chakapwititsa chiutsi chakavharisa nhandare dzendege kuYuropu vachityira njodzi kundege kana dzobhururuka mudenga. Madota akakandwa nechikwatamabwe ichi akaonekwa kuziwumbe reYuropu achibva kuchitsuwa chinonzi Iceland. Mugore ra2011 vana mazvikokota vane chifundidziro chokuti chikwatamabwe chichatubukazve chichikanda dota mudenga, nekuyeredza mabota emabwe anopisa.

Nekumwe kutaura chiitiko ichi chinodanwa kunzi tyakamabwe; izwi rokuti tyaka rinoshandiswa kuChikaranga richireva kukwata. Kuno kuAfurika kune chikwatamabwe kuDRC pagomo rinonzi Nyamuragira.

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko reEnglish rokuti "Volcano" rakatanga kutaurwa neVaroma kuItaly pakaitika chikwatamabwe paGomo reEtina. Varoma panguva iyi vaitenda kuna mwari wemoto aidanwa kunzi Vhurukani (kureva Vulcan). Saka pakaita chikwatamabwe paGomo re Etina vakafunga kuti ndiye Vhurukani ari kutaridza hasha dzake. Zita ra Vhurukani rakabva ratumidza kuchiitiko ichi vachitaura neChiratini kuti "Vulcanus". Kuzoti "volcano" kwave kusandurudza kuenda kuChingezi - zita iri rakabva rabata nazvino ndiro rinoshandiswa kunyangwe zvazvo ruzivo rwawedzera vanhu vave kuziva kuti chikwatamambwe hachineyi naVhurukani.

Vakare vakatumidza maererano nemaonero nemafungiro avo panguva iyoyo. Isu nhasi tinowona chitiko ichi kuri kukwata kwemambwe saka pano panzi chikwatamabwe. Chikwatamabwe chinonzi ikirunga mururimi rweChirundu rwunotaurwa kuBurundi; zvingadaro kuti shoko rokuti chirunga reShona rinoreva icho chikwatamabwe nokuti kune mazwi eChishona mazhinji akafanana neChirundu.

Kundengenyeka kwenyika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ichi chiitiko chekuti nyika inondengenyeka ichizunguzika pasi pachifamba.

Nyika yatigere yakawumbwa nehwendefa dzemabwe dzakawarikwa dzichivhara matunhu Pasirose. Hwendefa idzi dzine mitswe nehwangwadza pakati padzo. Hwendefa idzi dzigere pamusoro pemabwe anokwata nekupisa. Hujoto hunosiyana munzvimbo dziri pamatunhu akasiyana; nokudaro hwendefa idzi dzinotambanuka kana hujoto hwakwira nokudzoka kana hwaderera. Mukufamba uku imwe nguva dzinokwesherana dzichitsvedza zviri nyore; imwe nguva dzinokochekerana dzoita mangange poshaya hwendefa inofamba.

Zvadai fosi inosunda hwendefa idzi inoramba ichikwira padzinenge dzakarumana kudaro. Panozosvikwa nguva yekuti nzvimbo dzakabatana hadzichagona dzakurirwa nefosi iri kusunda. Ipapo hwendefa dzinopfutunuka dzotsukunyuka dzichibandana, kupetana nokukonzera kundengenyeka kwenyika. Panguva imwe cheteyo mabwe akanyauka ari pasi pehwendefa idzi anokwanisa kusimuka achiwana mukana wazaruka pamitswe inenge yawedzera kushama. Mabota emabwe aya anozotubuka panyika achive chikwatamabwe.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNgala vanoti ngomba-moto (volcano) kureva chikwatamabwe.