Chidodo sezita

Kubva Wikipedia

Chidodo izita remhuri rinowanikwa kuBotswana neZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Masimba Chidodo, Justice Chidodo, Shorai Chidodo.
  • Kune nzvimbo inzonzi Chidodo iri kuMashonaland Central.
  • Chidodo, chikadyana kana honza (Small earthenware pot for serving side-dish) imhando yembiya yakaumbwa nemutapo inopakurirwa usavi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaVenda vanoti tshidodo kana tshikhokhonono (n. insect) vachireva chipembenene.
  • VaKagulu vanoti -dodo (little, small) vachireva diki. VaKagulu vanoti vi-dodo (little) vachireva zvidiki.
  • VaZigula vanoti dodo (adj. little, small, low, a little, few).
  • VaShambala vanoti muntu mudodo (a little man) vachireva munhu mudodo. Mamwe mazwi futi ndodo (a little gun) vachireva munhu pfuti diki.