Cheni

Kubva Wikipedia

Cheni (Chain) chirukwa chakaitwa nesimbi chinobatanidza nhengo kuti dzive tambo.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • Baila vanoti inketani pakuwanda (n. chain) vachireva cheni kana ngetani. Izwi rokuti ngetani rinobva kuAfrikaans inoti ketting.
  • VaHerero vanotaura izwi rokuti orutenga (n. chain) kureva cheni. VaGulu vanoti lunyolo kana zinyolo (n. chain) kureva cheni.
  • VaYao vanoti unyolo kana nyolo pakuwanda (n. chain) vachireva cheni. VaBemba vanoti munyololo (n. chain) vachireva cheni.
  • MaZulu vanoti isikokela (n. link. From Afrikaans: skakel) vachireva hocheko. Mamwe mazwi: isikokela sekatango (link of a chain).