Babamukuru
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuBamukuru)
Babamukuru (father's older brother) zvinoreva mukoma wababa nyakubereka. Mukutaura wekupfupisa vamwe vanoti bamukuru. Izwi iri rinoshandiswawo kureva murume akaroora mukoma waAmai yakubereka.
Humwe Hukama
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Murume akaroora mukoma wemukadzi wako anodanwa kunzi babamukuru zvakare.
- Murume akaroora mukoma waAmai vako anodanwa kunzi babamukuru zvakare.
- Murume akaroora tete hanzvadzi yababa vako anodanwa kunzi babamukuru. Izvi zvinotaurwa nevakadzi, varume vanoti tsano.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MaZulu vanoti ubaba omukhulu (father's elder brother) kureva babamukuru.
- MaZulu vanoti ubaba omncane (father's younger brother) kureva babamunini.
- Vatauri veKizigua vanoti tate mkulu kureva babamukuru.
- VaSango vanoti baba kota (father's older brother) kureva babamukuru.