Svetuka kuchirochemo

Babamukuru

Kubva Wikipedia

Babamukuru (father's older brother) zvinoreva mukoma wababa nyakubereka. Mukutaura wekupfupisa vamwe vanoti bamukuru. Izwi iri rinoshandiswawo kureva murume akaroora mukoma waAmai yakubereka.

  • Murume akaroora mukoma wemukadzi wako anodanwa kunzi babamukuru zvakare (older sister-in-law's husband).
  • Murume akaroora mukoma waAmai vako anodanwa kunzi babamukuru zvakare (mother's older sister's husband).
  • Murume akaroora tete vako anodanwa kunzi babamukuru (father's sister's husband if you are female). Izvi zvinotaurwa nevakadzi, varume vanoti tsano.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]