Babamunini

Kubva Wikipedia

Babamunini kana babamudiki (father's younger brother) zvinoreva munin'ina wababa nyakubereka. Mukutaura wekupfupisa vamwe vanoti bamunini kana bamudiki.

Humwe Hukama[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Murume akaroora munin'ina wemukadzi wako anodanwa kunzi babamudiki zvakare.
  • Murume akaroora munin'ina waAmai vako anodanwa kunzi babamudiki zvakare.
  • Murume akaroora mwana wehanzvadzi yaAmai vako anodanwa kunzi babamudiki.
  • Murume akaroora mwana wehanzvadzi yemukadzi wako anodanwa kunzi babamudiki zvakare.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti ubaba omncane (father's younger brother) kureva babamunini.
  • VaLenje vanoti wunini (smallness; fewness, thinness; lack) kureva hushoma; hutete; kana kushayiwa.
  • Kikuyu inoti baba munyinyi (n. uncle). Mamwe mazwi: nini kana nyinyi (small) kureva ndiki kana mudiki.
  • VaBemba vanoti nini (little) kureva: duku.
  • Zigula vanoti tate mdodo kureva babamunini. VaKikuyu vanoti baba munyinyi kana babawakeri (n. uncle) kureva babamunini.