Svetuka kuchirochemo

Arikana Chihombori

Kubva Wikipedia
VaArikana Chihombori

VaArikana Chihombori-Quao (se musikana: Arikana Chihombori) ndi chiremba uye mushingairi, pamusoro pezvo mureketi wemkumbi, mudzidzisi, mudhipulomati, muvambi we zvipatara zvemuti, uye ndivamupinimaushandi. Vakatama kuAmerika mushure mekugara makore akawanda vari kuZimbabwe. Ndivo CEO zvose nemuvambi we Bell Family Medical Centers kuAmerika. Vaive mumiriri we Mubatanidzwa we Afurika kuAmerika, vakasarudzwa semugari we chigarocho muna 2017. Musi wa nomwe mumwedzi wa Gumiguru mugore ra 2019 vakapuhwa chizivitso chokuti vainge vasisazova "Ambasadha weZvamuchose" mutsamba yakabva kunaCheyamani Komisheni we Mubatanidzwa we Afurika, Moussa Faki. Vane dhigirii re chibhachera muChemishonga Chechikumbi, dhigirii re chimasta muChemushonga cheChihoganika, uye vane dhigirii ra Dhokotera we Muti. VaChihombori vaive nyanzvi we muti we mhuri ku Tenesii, Amerika. Vakashanda muzvemuti makore makumimaviri-nepfumbamwe kuMufuriisibhoro, Tenesii.

VaChihombori vanoreketa kwazvo pamusoro pemadzongonyodzo e Konferenzi ye Bherurini yakaitiki muBherurini, Jerumani muna1885. Vanofundisa nezve mhedzisiro dze kupatsanurwa kwakaitika muziwumbe re Afurika. Vanovona zvipatsanuro izvona sechikonzero chematambudziko e Afurika achirikuitika murizvino. Vanokwasha kubatanidzana kwe mavuso e Afurika, uye Vaafurika variku Dhayaspora.

VaChihombori vakakura kumusha kuChivhu muZimbabwe. Vakazotama kuenda kuAmerika muna 1977.

Mashoko ashandiswa:

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]