Mushingairi

Kubva Wikipedia

Hushingairi (Activism) inzira yekururamisa mamiriro ezvinhu kuburikidza nekupokana murunyararo pasina hondo kana kurwisana. Mushingairi (Activist) munhu anotenda mukururamisa nhuna dzevanhu nenzira dzinosanganisira: kushingirira mukushanda; kutaurirana; kushambadza; kukurudzira; kukwiridzira nekuratidzira pamusoro penhau dziri kubata kana kushusha hupenyu hwevanhu. Mabasa evashenairi anoti: kunyora matsamba nekuita misangano nevabati vematongerwo enyika; kushambadza nhuna dzevanhu mumapepanhau; kudzidzisa kodzero dzevanhu; kufora mumigwagwa vachiratidzira zvichingodaro.


Mipanda yeVashenairi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mushingairi hunozivikana kunyanya ndihwo Hushingairi hweKodzero dzeVanhu - (human rights activism), neHushingairi hweMukondombera (HIV/AIDS Activism). Kunoitawo Mushingairi hwekuchengetedza mhuka nemiti; Mushingairi hwezvehupfumi hwenyika; Hushingairi hweKodzero dzeVanhukadzi zvichingodaro.