Arekisondira muKuru

Kubva Wikipedia
Arekisondira mtatu (III)

VaArekisondira muKuru (kana Iskandara muKuru) pakuzvarwa kwavo vakapuhwa zita rokuti Arekisondira mtatu weMasedhonya (Chigiriki: Ἀλέξανδρος, Aléxandros; kubvira 20/21 Chikunguru 356 PK – 10/11 Chikumi 323 PK), vaive mambo wekare weVugiriki weMasedhonya. Vaiverengerwa muchikamu cheVuhlanga hwe Arugedhe uye vakazvarwa muPela, guta re Vugiriki ye Kare mugore ra356 PK. Vakatonga mushure mababa wavo Mambo Firipa m'piri, pavakatora chigaro choumambo vaive nezera remakore makumi, uye vakashandisa ruzhinji rwe hutongi hwavo vachiita zvekukambena nezvemauto kubvira kuMadokero eEzhiya ne Maodzanyemba-emambvazuva eAfurika. Pavakasvika zera remakore makumi matatu, vakange vagadzira humwe Ubwami hukuru munhoroondo, kubva kuVugiriki kusvika kuchamhembechemadokero e Indiya.[1][2] Havana kukundwa muhondo dzavakarwa, uye vanovonekwa neruzhinji rwe vanhu vepasirose samurairi wemauto akabudirira kwazvo munhoroondo.[3][4]










Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Bloom, Jonathan M.; Blair, Sheila S. (2009) The Grove Encyclopedia of Islamic Art and Architecture: Mosul to Zirid, Volume 3. (Oxford University Press Incorporated, 2009), 385;
  2. Golden, Peter B. Central Asia in World History (Oxford University Press, 2011), 25;
  3. https://en.wikipedia.org/wiki/Alexander_the_Great#CITEREFYenne2010
  4. https://www.britannica.com/summary/Alexander-the-Greats-Achievements