Skweya

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chePimanyika (geometry), skweya (square) chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana negonya ina dzose dzakaenzana. Skweya riri mumupanda wegonyaina.

Pimamuganhu neNharaunda[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pimamuganhu yeskweya rine mativi akareba nhambwe K inowanikwa netsazaniso inoti:

Pimamuganhu, P = 4.K,

uye Nharaunda yeSkweya inowanikwa netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = K2

Zvifaniro zveSkweya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Skweya iri mumupanda wegonyaina tsazamativi neruramamakonyo, saka zvinoreva kuti ine zvose zvifaniro (properties) zviumbwa zviviri izvi; sokuti:

  • Guramakonya mbiri dzinochekana negonya re 90o uye dzinochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana.
  • Guramakonya dzeSkweya dzinocheka makonya muzvikamu zviviri zvakaenzana.
  • Mativi akatarisana eSkweya akaenzana uye akati sambamba.
  • Guramakonya mbiri dzeSkweya dzakaenzana
  • Makonya ose ari mana eSkweya akaenza ari 90o