Gonyaina tsazamativi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Romb.svg

Muchidzidzo chePimanzvimbo, gonyaina tsazamativi (Rhombus) chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana. Gonya dzemukati dzakatarisana dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonya maviri anochekana negonya re 90o. Tsazano iri pamupanda wegonyaina tsazamativi.

[chinja] Zvifaniro zveGonyaina tsazamativi

Gonyaina tsazamativi rega-rega rine madanhamakonya maviri anobatanidza mikwava (vertices) miviri yakatarisana, uye mativi maviri akati sambamba. Kuchishandiswa gonyanhatu dzine chidzudzani pane umbowo hwokuti gonyaina tsazamativi rine kupimirana kunotevedza madanhamakonya maviri ari mariri. Chiumbwa ichi chine faniro (properties) dzinotevera:

  • Gonya mbiri dzakatarisana dzakaenzana
  • Madanhamakonya maviri anochekana negonya re 90o; akaita mutwi.
  • Madanhamakonya maviri anochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana.

Faniro yekutanga inotiudza kuti gonyaina tsazamativi riri pamupanda wegonyaina sambamba

[chinja] Nharaunda yeGonyaina tsazamativi

Nharaunda yechiumbwa ichi runowanikwa netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = 1/2.b.h

Apa b anomirira nhambwe yehwaro; h achimirira nhambwe yehudzamu. Tinotora hwaro sedivi ripi zvaro; hudzamu hunozotorwa senhambwe yemutwi unobatanidza mativi maviri asina kutevedzana.

Imwe nzira inokwaniswa kushanda ndeyekuti tinopangidzwa mikwava yegonyaina iri nemavara ABCD; nharaunda tinenge toiwana netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = (AC.BD)/2

Apa AC naBD dzinenge dziri nhambwe dzemadanhamakonya maviri.

Personal tools
Namespaces

Variants
Actions
Banguranyika
Maturuzi
Mimwe Mitauro