Gonya
From Wikipedia
Muzvidzidzo zvePimanzvimbo (Geometry) gonya (angle) izwi rinoreva kushama kwakaita mukwava uri pakati pemitsetse miviri inosangana pamukwava iwoyo. Kukura kwegonya kunopimwa nenhamwe yekushama kwakaita mukwava uri pakati pemitsetse miviri, gonya rinokura apo mitsetse iyi inenge iri kutaramukana.
Gonya kana ichipimwa inopimwa nechiyero chinonzi dhigiriyi chinova chinomirirwa nevara iri (o). Mitsetse miviri kana ichinge yabatana zvokunge yakanamana, tinoti pane gonya 0o.
Mitsetse kana yakaita mutwi (yakarurama) inenge ine mupimo wegonya 90o.
Gonya rinopoteredza chimiso rinopimwa kuita 360o. Iri ndiro gonya riripo kana tapoteredza denderedzwa kamwechete zvizere.