Sambamba

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo chePimanyika, sambamba (parallel) izwi rinotsangangudza mitsetse miviri yakati twasa yakataramukana nhambwe dzakaenzana panzvimbo dzose kana nhambwe ichipimwa pakati pemitsetse iyi. Apa nhambwe inofanirwa kunge iri kupimwa kuchitevedzwa mitsetse wechitatu unocheka mitsetse miviri yokutanga. Mutsetse wechitatu unofanirwa kunge uchicheka miviri iyi pamukwava une gonyo rakaenzana panzvimbo dzose. Muenzaniso wemitsetse wakati sambamba isimbi mbiri dzenjanji nokuti dzinofamba dzakayererana asi dzisingapesane.

Zviri kutaridzwa nenyora , kuti mitsetse a na b yakati sambamba. Magonyo anoitwa nemutsetse wakatandika akaenzana.