Mirairo gumi yaMwari

Kubva Wikipedia

Mitemo gumi yaMwari mitemo yakanyorwa muBhaibheri kutanga mubhuku reExodus iyo Mwari vakapa kuna Moses kuti adzidzise vanhu verudzi rwaIsrael. Mitemo iyi inowanikwa pachitsauko 20 mubhuku raExodus ichizowanikwazve mubhuku raDeuteronomy pachitsauko 5. Mitemo iyi inorayira pamusoro pamanamatirwo akafanirwa kuitwa Mwari, kuchengeta Sabata, uye mirairo pamusoro pehupombwe, kuba, ruchiva, kunyepa, kupupurira nhema uye kunamata zvifananidzo.

Mitemo

Heino mitemo sokurongwa kwayakaitwa mubhaibheri:


  • Usava nevamwe vaMwari kunze kwangu.
  • Usazviitira mufananidzo wakavezwa kana kuti mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika. Usapfugamira izvozvo kana kuzvishumira; nokuti ini Jehova Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu nerwechina rwavanondivenga; ndichititira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida vanochengeta mirairo yangu.
  • Usareva zita raJehovha Mwari wako nhando, nokuti Jehovha haaregi kupa mhosva anoreva zita rake nhando.
  • Rangarira zuva reSabata kuti uri chengete rive dzvene. Ubate mazuva matanhatu uite mabasa ako ose; asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuwo ako; nokuti namazuva matanhatu Jehovha wakasika denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha wakaropafadza zuva reSabata akariita dzvene.
  • Kudza baba namai vako kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
  • Usauraya.
  • Usaita hupombwe.
  • Usaba.
  • Usapupurira mumwe wako nhema.
  • Usachiva imba yomumwe, usachiva mukadzi womumwe, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chomumwe.