Mbongoro (donkey in English) imhuka inopfuyiwa pamusha inosandiswa kuita mabasa ekuzvuva ringava gejo kana kuti ngoro. MuZimbabwe mbongoro haidyiwe, asi kunyika dzinoti Namibia neBotswana kunonzi kune marudzi anodya mbongoro.
Rimwe zita rakapfumbira nderekuti dhongi; iri zita rakabva kuEnglish.