Ruchiva

Kubva Wikipedia

Ruchiva (lust) zvinoreva chivi chokutarira chinhu (kana munhu) chisiri chango uchibva wadisa kuti dai chava chako. Munhu anogona kunge ari kuchiva mukadzi wemunhu kana musikana uyo asina kuroora, uku kungava kuchiva chimiro kana zvimwewo zviri pamunhukadzi. Vakadzi zvakare vanokwanisa kukundwa neruchiva mwoyo yavo ichichiva chimiro kana hupfumi hwemurume kana zvimwewo zviri pavanhurume.

Pamirairo gumi yaMwari panonzi usachiva. Mutemo wegumi unoti, Usachiva imba yomumwe, usachiva mukadzi womumwe, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chomumwe.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Baila vanoti chiwa (outer appearance) vachireva chitarisiko chekunze.
  • Herero vanoti otyi-vangua (n. desideratum - something wanted or needed).