Matoro
From Wikipedia
Muchidzidzo chetaranyika, matoro (wetlands in English) izwi rinoreva nzvimbo inochengeta mvura ine sora, nhokwe kana tsanga. Matoro anonyanya kuwanikwa pedyo nerwizi kana kumiganhu yemapani nedondo.
Kare kare mupunga wairimwa mumatoro. Pari zvino hakuchina matoro akawanda nokuda kwekuwanda kwevanhu nokukundika kuchengetedza nzvimbo dzine matoro.
Mumatoro munowanikwa datya; mukonikoni; humhutu netumwe tupuka. Miti, huswa netsanga zvinomerawo mumatoro.